Dzambarafuta kana tsambarafuta (Carebara vidua) imhando yesvosve ine besu rine mafuta rinodyiwa nyama. Madzambarafuta anowanikwa muZimbabwe achibuda mwedzi ya Mbudzi kusvika Zvita.