Rosalie Barbara Pike akaberekwa mujsi wa 29 Kurume 1933 muJohannesburg chizvarwa chemu South Africa arizve muratidziri wemaruva.
Barbara Pike mumwe wevanasikana vaviri vakazvarwa naBarend Elzas, uyo aishanda basa mumakemikari, nemudzimai wake Klara 'Claire' Kindinger. Akadzidza kuParktown High School yeVasikana [1] muJohannesburg uye akaita matric muna 1949. Akawana B.Sc. muBotany neZoology paWitwatersrand University muna 1952 ndokuenderera mberi nedzidzo yepamusoro Diploma paJohannesburg College of Education. Akashanda sa biochemist uye muratidziri wekurapa kubazi rokuvhiya nemishonga, Witwatersrand University kubva 1953-1955. Muna 1956 akashanda sa biochemist kuDepartment of Water Research paCSIR muJohannesburg. Mushure meizvi akadzokera kuWitwatersrand University zvakare kunotora chigaro chemuratidziri webotanical weBotany Department pakati pemakore 1957 kusvika 1985. Geological Survey Museum muPretoria yakamushandisa semuratidziri muna 1985.
Barbara akaroorwa naMerrill Andrew Pike vakabereka vanakomana vaviri, Andrew John Pike 1958 na Richard Linden Pike 1961. Parizvino anogara kuParkwood, Johannesburg .
Mubairo wake wekutanga waive muna 1945 paNational Eisteddfod paakahwina nzvimbo yekutanga muchikamu che'mufananidzo ari pasi pemakore gumi nemaviri'. Akapihwa menduru dzesirivha naKirstenbosch mumakore a 2000 na2004, nemenduru dzegoridhe mumakore a 2002 na2006.
Mabasa ake akaonekwa mu: